Psalms 33

1Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama;
zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.
2Rumbidzai Jehovha nembira;
muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.
3Muimbirei rwiyo rutsva;
muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi;
iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
5Jehovha anoda kururama nokururamisira;
nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha,
hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.
7Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo;
anoisa kwakadzika mumatura.
8Nyika yose ngaitye Jehovha;
marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
9Nokuti iye akataura, zvikaitika;
akarayira, zvikamira zvakasimba.

10Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi;
anopinganidza mifungo yendudzi.
11Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi,
nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.

12Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo,
vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.
13Jehovha anotarira pasi ari kudenga
uye anoona marudzi ose avanhu;
14ari pachigaro chake anotarira
vose vagere panyika,
15iye anoumba mwoyo yavanhu vose,
anofungisisa zvose zvavanoita.

16Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake;
hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.
17Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa;
harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
18Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,
napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
19kuti avarwire parufu
nokuvararamisa panzara.

20Tinomirira Jehovha netariro;
ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
21Mwoyo yedu inofara maari,
nokuti tinovimba nezita rake dzvene.
22Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,
kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
Copyright information for SnaBDSC